Matthew 5

Mharidzo yaJesu pagomo

1Zvino wakati achiona zvaunga akakwira mugomo, zvino wakati agara pasi vadzidzi vake vakauya kwaari; 2akashamisa muromo wake, akavadzidzisa achiti: 3Vakaropafadzwa varombo pamweya; nokuti ushe hwekumatenga ndehwavo. 4Vakaropafadzwa vanochema; nokuti ivo vachanyaradzwa. 5Vakaropafadzwa vanyoro; nokuti ivo vachagara nhaka yenyika. 6Vakaropafadzwa vane nzara nenyota yekururama; nokuti ivo vachagutiswa. 7Vakaropafadzwa vane tsitsi; nokuti ivo vachaitirwa tsitsi. 8Vakaropafadzwa vakachena pamoyo; nokuti ivo vachaona Mwari. 9Vakaropafadzwa vanoyananisa; nokuti ivo vachanzi vana vaMwari. 10Vakaropafadzwa vanoshushwa nekuda kwekururama; nokuti ushe hwekumatenga ndehwavo. 11Makaropafadzwa imwi, kana vachikutukai, vachikushushai, vachikutaurirai zvakaipa zvese vachireva nhema nekuda kwangu. 12Farai mupembere kwazvo, nokuti mubairo wenyu mukuru mumatenga; nokuti vakashusha saizvozvo vaporofita vakakutangirai.

Munyu nechiedza chenyika

13Imwi muri munyu wenyika; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei? Hauchabatsiri chinhu, asi kurasirwa kunze, utsikwe-tsikwe nevanhu. 14Imwi muri chiedza chenyika; guta rakamiswa pamusoro pegomo haringavanziki; 15uye mwenje havautungidzi vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, uvhenekere vese vari mumba. 16Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kumatenga.

Murairo wakare nemurairo waJesu Kristu

17Musafunga kuti ndauya kuzoparadza murairo kana vaporofita; handina kuuya kuzoparadza, asi kuzozadzisa. 18Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kusvikira denga nenyika zvichipfuura, vara diki rimwe kana chidodzi chimwe kubva pamurairo hazvingatongopfuuri, kusvikira zvese zvaitika. 19Naizvozvo ani nani anotyora umwe wemirairo midikisa iyi, akadzidzisa vanhu saizvozvo, achanzi mudikisa muushe hwekumatenga; asi ani nani anoita akaidzidzisa, iye achanzi mukuru muushe hwekumatenga. 20Nokuti ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti kururama kwenyu kukapfuura kwevanyori nekweVaFarisi, hamungatongopindi muushe hwekumatenga.

21Makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usauraya; uye ani nani anouraya achava nemhosva yemutongo; 22asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani anotsamwira umwe wake pasina chikonzero, achava nemhosva yemutongo; neanoti kune umwe wake: Dununu! achava nemhosva yedare remakurukota; uye anoti: Benzi! achava nemhosva yegehena remoto. 23Naizvozvo kana uchiuisa chipo chako kuaritari, ipapo ukarangarira kuti umwe wako ane chekupikisana newe, 24siya ipapo chipo chako pamberi pearitari, uende umbonotanga wayanana neumwe wako, ugouya wopira chipo chako. 25Tenderana nemudzivisi wako nekukurumidza, uchiri munzira naye, zvimwe mudzivisi angakukumikidza kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa, ukakandirwa mutirongo. 26Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvikira waripa kamari kekupedzisira.

27Makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usaita upombwe; 28asi ini ndinoti kwamuri: Wese anotarisa mukadzi kuti amuchive, watoita upombwe naye mumoyo make. 29Uye kana ziso rako rerudyi richikugumbusa, uridzure urase kubva kwauri; nokuti zviri nani kwauri kuti umwe wemitezo yako uparare, kwete kuti muviri wako wese ukandirwe mugehena. 30Zvino kana ruoko rwako rwerudyi ruchikugumbusa, urugure urasire kure newe; nokuti zviri nani kwauri kuti umwe wemitezo yako uparare, kwete kuti muviri wako wese ukandirwe mugehena. 31Zvakanziwo: Ani nani anoramba mukadzi wake, ngaamupe rugwaro rwekurambana; 32asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani anoramba mukadzi wake, kunze kwemhosva yeupombwe, anomuitisa upombwe; uye ani nani anowana wakarambwa anoita upombwe.

33Zvekare makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usapika nhema, asi uripire Ishe mhiko dzako; 34asi ini ndinoti kwamuri: Musatongopika; kana nedenga, nokuti chigaro chaMwari cheushe; 35kana nenyika, nokuti chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusarema, nokuti iguta raMambo mukuru; 36uye usapika nemusoro wako, nokuti haugoni kuita ruvhudzi rumwe ruchena kana rutema. 37Asi shoko renyu ngarive: Hongu, hongu; kwete, kwete; chinopfuura izvi chinobva kune wakaipa.

Kuda vavengi

38Makanzwa kuti zvakanzi: Ziso neziso, uye zino nezino; 39asi ini ndinoti kwamuri: Musapikisa wakaipa; asi ani nani anokurova padama rako rerudyi, umutendeusire rimwewo. 40Neanoda kukusungisa, nekutora shati yako, umutendere nguvo yakowo. 41Ani nani anokumanikidza kuenda maira imwe uende naye mbiri. 42Ipa anokumbira kwauri, usafuratira anoda kukwereta kwauri.

43Makanzwa kuti zvakanzi: Ude umwe wako, uvenge muvengi wako. 44Asi ini ndinoti kwamuri: Idai vavengi venyu, ropafadzai vanokutukai, batai zvakanaka vanokuvengai, munyengeterere vanokubatai zvakaipa vachikushushai. 45Kuti muve vana vaBaba venyu vari kumatenga, nokuti vanobudisira zuva ravo kune vakaipa nevakanaka, nemvura vanoinaisira vakarurama nevasakarurama. 46Nokuti kana muchida vanokudai, mune mubairo wei? Ko, vateresiwo havaiti izvozvo here? 47Uye kana muchikwazisa vamwe venyu chete, munoita zvikuru kupfuura vamwe nei? Ko, vateresiwo havaiti saizvozvo here? 48Naizvozvo imwi muve vakakwana, saBaba venyu vari kumatenga vakakwana.

Copyright information for Shona